Monday, March 05, 2007

Hymn 141 Ndinofara kuti Baba wedu

Ndinofara kuti Baba wedu
Wareva rudo rwake rukuru
Murugwaro rwake rwakanaka
Ndonzwa kuti Jesu anondida

Ndinofara Jesu wandida
Anondida, anondida
Ndinofara Jesu wandida
Ini anondida

Kana ini ndichimukanganwa
Iye anozondiyeuchidza
Zvino kwaari ndinodzokera
Ndonzwa kuti Jesu anondida

Jesu anondida ini kwazvo
Saka wandipa upenyu hwake
Kutadza kwangu wakakufira
Ndonzwa kuti Jesu anondida

Mwoyo wangu uno Mununuri
Ndinotenda Jesu Mununuri
Zvino ndinogomubatirira
Nokuti ndonzwa Jesu wandida

Amen

Source: Nziyo DzeMethodist, Gwelo, Zimbabwe

1 comment: