shona methodist hymns

a forum for the Christian faith, belief in one God, methodist church hymns, the sanctity of life, third world development issues, alleviation of poverty

Saturday, May 27, 2006

Maita Zvenyu Musiki Wangu

Baba Wedu Vari Kudenga, kudzwai nekusingapere
Ndinokutendai zvikuru nemakomborero amandipa nhasi necheque ye £750 iyo ichandibatsira pamortgage nemabills ndakamirira mafees emastudents edu. Ndashamisika kwazvo nekudaira kwamaita minamato yangu pane ino nguva yakaoma muhupenyu hwangu. Mune rudo rukuru. Mune tsitsi dzisingapere. Munoona zvese zviri pasi. Munondinunura pandinenge ndapererwa. Munondida. Ndinokudai Musiki wangu. Chindikomborerai ndikurire Satani. Kuburikidza nezita raJesu Kristu ne Mweya Mutsvene. Amen.

0 Comments:

Post a Comment

<< Home