shona methodist hymns

a forum for the Christian faith, belief in one God, methodist church hymns, the sanctity of life, third world development issues, alleviation of poverty

Wednesday, April 26, 2006

HYMN 77


Mweya mutsvene waMwari
Garai muno mumba
Burukai zvino nesimba
Uya Mweya, uyai

Uyai Mweya, kufanana
Kupenya kwezuva
Venekerai mwoyo yedu
Onisai kuipa

Onisai rushavashava
Nezvirwere zvose
Titungamire panzira
Panenda vatsvene

Uyai serimi romoto
Pisai mwoyo yedu
Tichive zviteuriro
Kuna Ishe wedu

Uya Mweya kufanana
Dova rokudenga
Mwoyo isingabereke
Ive namapudzi

Uya senjiva yedenga
Mutivhumbamire
Namapapiro orudo
Noruregerero

Uyai sedutu remhepo
Nesimba renyasha
Kuti vanhu vakuonei
Noutsvene hwenyu

Uyai Mweya wokudenga
Mukugara kwedu
Mutiite musha wenyu
Uyai Mweya, uyai

Amen