shona methodist hymns

a forum for the Christian faith, belief in one God, methodist church hymns, the sanctity of life, third world development issues, alleviation of poverty

Monday, June 19, 2006

Hymn 202

Wouya, wouya, Mucheki mukuru,
Vanhu vachaona Ishe wokudenga;
Vangazomutswa vari kumakuva,
Kuti vaonekwe vose pakachena.

Mucheki ndJesu wakatambudzika,
Kuti vaponiswe norudo rwaBaba,
Avo vakamuda havachatongiswa
Nokuti vamire naIshe wedenga.

Asi vasingadi kunzwa dama rake,
Rokuti vadzoke pane chakaipa,
Vakatozvikona oamberi poM’cheki
Vakatozvipinza pakutambudzika.

Ngatidzoke tose pakuipa kwedu,
Tinzwe izwi erake, tinamate tose,
Ishe ari apno anotsvaka iwe,
Inguva nazvino, uya ugam’chire.

Amen.

1 Comments:

Blogger Unknown said...

what is this hymn in english

Saturday, January 23, 2016 8:23:00 AM  

Post a Comment

<< Home