shona methodist hymns

a forum for the Christian faith, belief in one God, methodist church hymns, the sanctity of life, third world development issues, alleviation of poverty

Tuesday, June 06, 2006

Mwari makanaka

Ndinokutendai Mwari Baba wedu vari kudenga, nairori zuva ramandikomborera naro.
Ndinokukumbirai mundichengete nokusingapere, kuburikidza nezita raJesu Kristu Mwanakoman Wenyu.

Amen

Hymn 138

Rakanaka iro zuva
Randakatenda kuna She!
Mwoyo wangu fara zvako
Udza vanhu vose naro

Ranaka, ranaka
RaJesu wakandishamba
Iye wakandidzidzisa
Kurinda nekuteura
Ranaka, ranaka

Chanaka chitenderano
Chinondisunga kuna She!
Ngaizadzwe imbayake
Norwiyo rwndinoimba

Rakapera basa guru!
Ndiri wake, uri wangu
Wakandizuva norudo
Ndikamutevera ini

Mwoyo wangu chizorora!
Wakatsaukaniswa kare
Rega kubva Ishe
Kwa’ri zvose zvakanaka

Nokudenga chakanzwikwa
I’chitenderano changu
Napakufa ndingatende
Nokuti’ni ndiri Wake.
Amen