shona methodist hymns

a forum for the Christian faith, belief in one God, methodist church hymns, the sanctity of life, third world development issues, alleviation of poverty

Wednesday, August 16, 2006

Hymn 141 Ndinofara kuti Baba wedu

Ndinofara kuti Baba wedu
Wareva rudo rwake rukuru,
Murugwaro rwake rwakanaka
Ndonzwa kuti Jesu anondida,

Ndinofara Jesu wandida,
Anondida, anondida;
Ndinofara Jesu wandida
Ini anondida.

Kana ini ndichimukanganwa
Iye anogondiyeuchidza;
Zvino kwaari ndinodzokera,
Ndonzwa kuti Jesu anondida.

Jesu anondida ini kwazvo,
Saka wandipa upenyu hwake;
Kutadza kwangu wakakufira;
Ndonzwa kuti Jesu anondida.

Mwoyo wangu uno Mununuri;
Ndinotenda Jesu Muyamuri;
Zvino ndinomubatirira
Nokuti ndonzwa Jesu wandida.

Amen