shona methodist hymns

a forum for the Christian faith, belief in one God, methodist church hymns, the sanctity of life, third world development issues, alleviation of poverty

Monday, August 07, 2006

Ndiyambutseiwo Tenzi

Mwari Baba wedu vari kudenga, ndinzwireiwo ngoni!
Ndinunureiwo pamadzudzo andinawo kumba nekubasa.
Ndiyambutseiwo!
Ndiri muranda wenyu.
Ndiregerereiwo zvitadzo zvangu zvose!
Ndinokudai.
Ndinokutyai.
Ndinokutendai namabasa makuru amuri kuita muhupenyu hwangu.
Ndinokutendai nehope dzamuri kundipa.
Ndinoda Mweya Mutswene unditungamirire nguva dzose.
Ropafadzai maoko angu.
Ropafadzai zvandiri kushuwira muhupenyu hwangu.
Ndinoda Ishe Jesu Kristu vandidzivirire kunaSatan.
Neropa raJesu ndituka Satan.
Neropa raJesu ndaramba kuitwa muranda naSatan.
Ndaramba kumanikwa nechivi. Ndibviseiwo murima.
Ndinoziva kuti ndiri nherera.
Ndiri musango rinotyisa.
Handina kwekuenda.
Handina wekuzviudza.
Handina kwekutizira.
Handina wekuchemera.
Handina wekuvimba naye.
Asi imi muneni.
Imi munondichengeta.
Imi munondipa zvipo zvenyu zvakawanda.
Mwari inzwai muteuro wangu.
Ishe Jesu inzwaiwo munamato wangu.
Kudzwai zita renyu dzvene nokusingapere kuburikidza nezita raJesu Kristu Mwanakomana wenyu.
Amen