shona methodist hymns

a forum for the Christian faith, belief in one God, methodist church hymns, the sanctity of life, third world development issues, alleviation of poverty

Thursday, September 07, 2006

Baba Takatarisira

Baba wedu vari kudenga
Baba waIshe wedu Jesu Kristu
Ndinokutendai netsitsi dzenyu dzamunondiitira
Ndinotenda nechipo chehupenyu nekurarama
Zita renyu ngari kudzwe pasi pose

Baba takatarisira kuti mutipe makomborero mamwe
Takatarisira ngoni dzenyu kuti tipiwe mamwe mavisa
Tinoziva kuti ndimi munopa ndimi munotora
Tamirira tsitsi dzenyu mangwanani ano
Tichikumbirira vadzidzi vedu vari kuda kuuya kuno
Varopafadzei nekubudirira Baba

Zviratidzo zvenyu zvatipa tariro yekubudirira
Asi tinoziva kuti uyo akaipa anotsvaga kutitsamwisa
Asi nezita raJesu Kristu tinotuka Satan tichiti:
'Satan rega kutitadzisa kubudirira;
'Satan ibva munzira dzangu
'Satan usatore zvipo zvangu
'Satan ndakukunda nekuti ndakufumura neropa raJesu Kristu Ishe wedu akaroverwa pamuchinjikwa akafa akavigwa, nezuva retatu akamuka akaenda kudenga uko agere kurudyi rwaBaba.'

Nezita raJesu ndinoti zvirongwa zvangu zvose ngazviropafadzwe neMweya Mutsvene
Zvirongwa zvangu zvekutama kuenda kuLondon Bridge muna October ndinozviisa mumaoko menyu Ishe Jesu Kristu

Bvisai mhiko dzevavengi vangu
Vanyadzisei nekuti vanoita mabasa erima
Ini ndinoda imi Ishe wedu ari kudenga
Mwari inzwaiwo muteuro wangu. Ishe Jesu Kristu ndinzwireiwo tsitsi.

Dzingati ngoni dzaIshe wedu, nokuwadzana koMweya Mutsvene, zvive nesu iye zvino kudzamara kuve kusingapere.
Amen.

0 Comments:

Post a Comment

<< Home