shona methodist hymns

a forum for the Christian faith, belief in one God, methodist church hymns, the sanctity of life, third world development issues, alleviation of poverty

Tuesday, June 26, 2007

O come let us sing to the Lord - Psalm 96

O come, let us sing to the Lord
let us make a joyful noise to the rock of our salvation!
Let us come unto his presence with thanksgiving;
let us make a joyful noise to him with songs of praise!
For the Lord is a great God.

Source: The Reader's Digest Bible Illustrated Edition, 1990, London

Hymn 140

Vazhinji vanayo nhaka
Yavanozviinzwa nayo
Vazhinji vanayo pfuma
Vanozvifarisa nayo

Handizvidze zvipo zvenyu
Zvohu upenyu huripo
Asi imi Ishe Jesu
Muri nhaka yangu kwazvo

Kunyange ndanga ndisina
Zvinhu zvoruno rugaro
Ndinemi muridzi wazvo
Ndine zvinhu zvose nemi

Kana mava wangu Jesu
Ndakwana nezvinhu zvose
Nezvi zviripo ndezvangu
Nezvinouya ndezvangu

Neino nyika ndeyangu
Nairo denga nderangu
Nahwo upenyu ndohwangu
Nokunakirwa ndokwangu

Hahupere uhwopenyu
Huri nhaka yangu nemi
Kunakirwa hakupere
Kwandakawana kunemi
Amen

Muteketero

Mwari samasimba, usina ukoni, munotonga zvose zviri kudenga nezviri panyika; inzwai netsitsi mikumbiro yavanhu venyu, mutipe runyararo rwenyu mazuva ose oupenyu hwedu; nenzira yaJesu Kristu Ishe wedu.
Amen

Source: Nziyo DzeMethodist Neminamato, 1964, Methodist Church, Harare (page 286)

0 Comments:

Post a Comment

<< Home