shona methodist hymns

a forum for the Christian faith, belief in one God, methodist church hymns, the sanctity of life, third world development issues, alleviation of poverty

Monday, July 04, 2011

Hymn 141 Ndinofara kuti Baba wedu ...

Ndinofara kuti Baba wedu
Wareva rudo rwake rukuru
Murugwaro rwake rwakana
Ndonzwa kuti Jesu anondida

Ndinofara Jesu wandida
Anondida, anondida
Ndinofara, Jesu wandida,
Ini anondida

Kana ini ndichimukanganwa
Iye anozondiyeuchidza
Zvino kwaari ndinodzokera
Ndonzwa kuti Jesu anondida


My daily prayer in Shona

Muzita Raba nereMwanakomana nereMweya Mutsvene - Amen
Mwari muna masimba ose, Baba waIshe wedu Jesu Kristu

Asingade kufa kwemutadzi
Asi anoregerera avo vanobvuma zvidariko zvavo
Ndiregerereiwo zvitadzo zvangu
Ivai neni muzuva ranhasi, naiwo ose anotevera
Ndikomborererei nehupenyu nehutano
Ndikunde Satani pane zvose zvandischaita kuti ndirarame
Kuburikidza naiye Mwana komana wenyu, Jesu Christu, naMweya Mutsvene
AMEN.