shona methodist hymns

a forum for the Christian faith, belief in one God, methodist church hymns, the sanctity of life, third world development issues, alleviation of poverty

Tuesday, February 14, 2012

Rakanaka Iro Zuva Hymn 138

Rakanaka iro zuva
Randakatenda kuna She!
Mwoyo wangu fara zvako
Udza vanhu vose naro

Ranaka, ranaka
RaJesu wakandishamba
Iye wakandidzidzisa
Kurinda nekuteura
Ranaka, ranaka

Chanaka chitenderano
Chinondisunga kuna She!
Ngaizadzwe imbayake
Norwiyo rwndinoimba

Rakapera basa guru!
Ndiri wake, uri wangu
Wakandizuva norudo
Ndikamutevera ini

Mwoyo wangu chizorora!
Wakatsaukaniswa kare
Rega kubva kuna Ishe
Kwa’ri zvose zvakanaka

Nokudenga chakanzwikwa
I’chitenderano changu
Napakufa ndingatende
Nokuti’ni ndiri wake

Source: Nziyo dzeMethodist neMinamato, Mambo Publishers: Gweru, Zimbabwe

14th February My happy birthday!

Lord I know you are there!
Thank you Lord for your mercy in making me celebrate my birthday today!
Maita henyu Mwari netsitsi dzenyu nekundiita kuti ndipemberere zuva randakazvarwa!
I pray that you bless me with many, many more!
Lord keep me and my family healthy and safe from the evil one - Satan the devil
I know that your son Jesus Christ and the Holy Spirit are watching over us!
Forgive our trespasses as we forgive those who tresspass against us.
And deliver us from evil
For ever and ever!
Amen!