Ndinoziva kuti munengoni tenzi
Ndinotenda kuna musiki wangu netsitsi dzenyu dzakawanda, ndiregerereiwo zvitadzo zvangu. Ndinunureiwo pakushushwa naSatani. Neropa raJesu Kristu ndotuka Satani, kuti Ibva mushure mangu, Satani ibva mumba mangu, Satani ibva mubusiness rangu, ndakukunda Satani.
Amen.
Hymn 143
Mumwe ariko kum’soro
Anotida
Rudo rwake rwaakakomba
Anotida!
Hama dzedu dzinotiza
Zvimwe dzingatitambudze
Haanakutinyengedza
Anotida!
Kumuziva ndoupenyu
Anotida!
Waakatipa zvinhu zvose
Anotida!
Tanga tiri kure naye
Wakatitenga neropa
Zvino tachengetwa naye
Anotida!
Jesu ndiShamwari wedu
Anotida!
Woda kutiropafadza
Anotida!
Mwoyo yedu inomuda
Yoda kushovedzwa naye
Zvorikwazvo nechokwadi
Anotida!
Anoregerera zvivi
Anotida!
Hondo dzedu dzinokundwa
Anotida!
Anotipa zvipo zvose
Wopa namakomborero
Achatipa noutsvene
Anotida!
http://shonahymns.blogspot.com/